Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 23:18-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’

19. Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?

20. Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.

21. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.

22. Uye uyo anopika netemberi anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.

23. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi moshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.

24. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.

25. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.

26. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 23