Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 23:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’

17. Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?

18. Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’

19. Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?

20. Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.

21. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.

22. Uye uyo anopika netemberi anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 23