Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 23:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,

2. “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.

3. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.

4. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.

5. Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.

6. Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusorosoro mumasinagoge.

7. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.”

8. “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 23