Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 22:11-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.

12. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.

13. “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

14. “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”

15. Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.

16. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.

17. Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”

18. Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?

19. Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari

20. uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”

21. Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”

22. Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.

23. Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.

24. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.

25. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 22