Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 21:39-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.

40. “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?”

41. Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”

42. Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti:“ ‘Ibwe rakarambwa navavakindiro rakazova musoro wekona.Ishe akaita izvi,uye zvinoshamisa pamberi pedu’?

43. “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo.

44. Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”

45. Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo.

46. Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 21