Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 21:32-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, uye hamuna kumutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda.

33. “Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari uye iye akaenda parwendo rurefu.

34. Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora michero yake.

35. “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe.

36. Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo.

37. Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’

38. “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 21