Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 21:28-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. “Munofungei nazvo? Paiva nomurume aiva navanakomana vaviri. Akaenda kuno wokutanga akati, ‘Mwanangu, enda nhasi unoshanda mumunda wemizambiringa.’

29. “Akavapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake.

30. “Ipapo baba vaya vakazoenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda.

31. “Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?” Vakapindura vachiti, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, vateresi nezvifeve vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.

32. Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, uye hamuna kumutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda.

33. “Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari uye iye akaenda parwendo rurefu.

34. Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora michero yake.

35. “Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe.

36. Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo.

37. Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’

38. “Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’

39. Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.

40. “Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?”

41. Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”

42. Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti:“ ‘Ibwe rakarambwa navavakindiro rakazova musoro wekona.Ishe akaita izvi,uye zvinoshamisa pamberi pedu’?

43. “Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo.

44. Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 21