Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaoona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.