Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 19:2-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko.

3. Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?”

4. Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi,

5. akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’

6. Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”

7. Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?”

8. Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga.

9. Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”

10. Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.”

11. Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripirwa.

12. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”

13. Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.

14. Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”

15. Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.

16. Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 19