Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 17:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakhobho naJohani munun'una waJakhobho akakwira navo mugomo refu vari voga.

2. Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.

3. Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.

4. Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”

5. Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”

6. Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.

7. Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”

8. Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.

9. Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.”

10. Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”

11. Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose.

12. Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.”

13. Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 17