Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 10:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’

8. Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makangogamuchira, chingopai henyu.

9. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu;

10. musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.

11. “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo.

12. Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 10