Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 10:38-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.

39. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.

40. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.

41. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.

42. Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 10