Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 10:33-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.

34. “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.

35. Ndakauya kuti:“ ‘mwanakomana apesane nababa vake,mwanasikana apesane namai vake,muroora apesane navamwene vake,

36. vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’

37. “Ani naani achada baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu.

38. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.

39. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.

40. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.

41. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.

42. Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 10