Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 10:30-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa.

31. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.

32. “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.

33. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.

34. “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.

35. Ndakauya kuti:“ ‘mwanakomana apesane nababa vake,mwanasikana apesane namai vake,muroora apesane navamwene vake,

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 10