Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 10:3-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakhobo mwanakomana waArifeo naTadheo;

4. Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.

5. Ava gumi navaviri Jesu akavatuma, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yavaHedheni kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria.

6. Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.

7. Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’

8. Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makangogamuchira, chingopai henyu.

9. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu;

10. musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.

11. “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo.

12. Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo.

13. Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.

14. Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo.

15. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.

16. Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo ivai vakachenjera senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.

17. Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo.

18. “Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokuvaHedheni.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 10