Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 10:22-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.

23. Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungapoteredzi maguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.

24. “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake.

25. Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!

26. “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi.

27. Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba.

28. Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi mutye uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.

29. Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira.

30. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa.

31. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.

32. “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.

33. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.

34. “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.

35. Ndakauya kuti:“ ‘mwanakomana apesane nababa vake,mwanasikana apesane namai vake,muroora apesane navamwene vake,

36. vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’

37. “Ani naani achada baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu.

38. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.

39. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.

40. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.

41. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 10