Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 9:21-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?”Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake.

22. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.”

23. Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kuna anotenda.”

24. Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”

25. Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”

26. Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.”

27. Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akasimuka.

28. Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakonewa kuudzinga?”

29. Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”

30. Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi,

31. nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”

32. Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 9