Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 8:23-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Akabata munhu akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”

24. Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.”

25. Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.

26. Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.”

27. Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”

28. Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti, mumwe wavaprofita.”

29. Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?”Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”

30. Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.

31. Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.

32. Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura.

33. Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro akati, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.”

34. Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera.

35. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa.

36. Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?

37. Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?

38. Kana munhu achinyadzwa uye achinyadzwa namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadzwawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba navatumwa vatsvene.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 8