Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 8:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga.

12. Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.”

13. Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi.

14. Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa.

15. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.”

16. Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.”

17. Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai?

18. Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here?

19. Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?”Vakati, “Gumi namaviri.”

20. “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?”Vakapindura vakati, “Manomwe.”

21. Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?”

22. Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate.

23. Akabata munhu akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”

24. Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 8