Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 8:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaungana. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati,

2. “Ndino urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya.

3. Kana ndikavaendesa vane nzara kumusha, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.”

4. Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?”

5. Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?”Vakati, “Zvinomwe.”

6. Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo.

7. Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu.

8. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu.

9. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,

10. akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 8