Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 7:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.”

9. Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!

10. Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

11. Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),

12. ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.

13. Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”

14. Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.

15. Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’

16. Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

17. Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.

18. Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’?

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 7