Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 7:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi:“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.

7. Vanondinamata pasina;dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’

8. Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.”

9. Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!

10. Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

11. Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),

12. ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.

13. Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”

14. Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 7