Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 7:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?”

6. Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi:“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.

7. Vanondinamata pasina;dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’

8. Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.”

9. Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 7