Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 7:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),

12. ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.

13. Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”

14. Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.

15. Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’

16. Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

17. Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.

18. Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’?

19. Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.

20. Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.

21. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,

22. ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 7