Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 7:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu

2. uye vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa.

3. VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru.

4. Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura.

5. Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?”

6. Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi:“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.

7. Vanondinamata pasina;dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’

8. Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.”

9. Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 7