Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 6:9-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.

10. Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro.

11. Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.”

12. Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.

13. Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa.

14. Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.”

15. Vamwe vakati, “NdiEria.”Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.”

16. Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!”

17. Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womunun'una wake Firipi waakanga awana.

18. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womunun'una wako.”

19. Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo,

20. nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama nomutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.

21. Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.

22. Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.”

23. Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”

24. Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?”Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”

25. Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.”

26. Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira.

27. Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo,

28. akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Iye akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 6