Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 6:41-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose.

42. Vose vakadya vakaguta,

43. uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.

44. Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.

45. Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji.

46. Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera.

47. Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika.

48. Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura,

49. asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzimudzangara. Vakadanidzira,

50. nokuti vose vakamuona uye vakatya.Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.”

51. Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,

52. nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.

53. Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti uye vakamisa igwa ipapo.

54. Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu.

55. Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari.

56. Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 6