Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 6:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.

4. Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”

5. Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye akavaporesa.

6. Uye akashamiswa nokusatenda kwavo.

7. Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.

8. Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.

9. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 6