Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 6:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womunun'una wako.”

19. Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo,

20. nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama nomutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.

21. Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.

22. Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.”

23. Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”

24. Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?”Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 6