Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 4:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”

9. Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

10. Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.

11. Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo

12. kuitira kuti,“ ‘zvimwe vangaramba vachiona,asi varege kuonesesa;uye vachinzwa,asi varege kunzwisisa;kana kuti vangatendeukauye vakaregererwa!’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 4