Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 4:24-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.

25. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

26. Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.

27. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.

28. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.

29. Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”

30. Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?

31. Hwakafanana netsanga yemastadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.

32. Asi kana yadyarwa, inokura uye igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 4