Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 4:13-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?

14. Murimi anokusha shoko.

15. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.

16. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarabwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.

17. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.

18. Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;

19. asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuwo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko.

20. Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”

21. Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?

22. Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.

23. Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”

24. Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.

25. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

26. Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.

27. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 4