Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 3:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.

2. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.

3. Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”

4. Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 3