Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 2:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe?’

10. Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,

11. “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”

12. Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”

13. Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.

14. Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifiasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.

15. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.

16. Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?”

17. Akati achinzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”

18. Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”

19. Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 2