Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 2:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vachifunga mumwoyo yavo, vachiti,

7. “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”

8. Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi?

9. Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe?’

10. Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 2