Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 2:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”

25. Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?

26. Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”

27. Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.

28. Saka mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 2