Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 2:15-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.

16. Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?”

17. Akati achinzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”

18. Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”

19. Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.

20. Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.

21. “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.

22. Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”

23. Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakati vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.

24. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”

25. Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?

26. Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 2