Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 16:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”

4. Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.

5. Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.

6. Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.

7. Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Iye afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ”

8. Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.

9. Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.

10. Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye uye vakanga vachiungudza uye vachichema.

11. Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.

12. Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 16