Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 16:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.

12. Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.

13. Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.

14. Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.

15. Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.

16. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.

17. Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;

18. vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”

19. Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.

20. Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo uye akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 16