Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 16:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.

12. Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.

13. Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.

14. Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.

15. Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.

16. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 16