Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 16:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.

2. Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,

3. uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”

4. Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.

5. Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 16