Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 14:51-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

51. Rimwe jaya, rakanga rakapfeka mucheka bedzi, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata,

52. rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure.

53. Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete.

54. Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto.

55. Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu.

56. Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 14