Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 14:42-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

42. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”

43. Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru.

44. Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.”

45. Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda.

46. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga.

47. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.

48. Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata?

49. Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.”

50. Ipapo vose vakamusiya vakatiza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 14