Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 14:38-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Rindai uye munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”

39. Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo.

40. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.

41. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi.

42. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”

43. Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru.

44. Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.”

45. Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda.

46. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga.

47. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 14