Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 14:28-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.”

29. Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”

30. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”

31. Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vose vakadarowo.

32. Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, uye Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.”

33. Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika.

34. Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.”

35. Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi uye akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari.

36. Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”

37. Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Wavata here? Wanga usingagoni kurinda kwenguva imwe here?

38. Rindai uye munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”

39. Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo.

40. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.

41. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi.

42. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 14