Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 14:22-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.”

23. Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.

24. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.

25. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva iro pandichazonwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”

26. Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

27. Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,makwai agopararira.’

28. Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.”

29. Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”

30. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 14