Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 14:15-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadziriremo.”

16. Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika.

17. Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri.

18. Vakati vagere pakudya, iye akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.”

19. Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?”

20. Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni.

21. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.”

22. Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.”

23. Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.

24. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.

25. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva iro pandichazonwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”

26. Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

27. Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,makwai agopararira.’

28. Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.”

29. Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”

30. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”

31. Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vose vakadarowo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 14