Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 13:8-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwokurwadziwa kwokusununguka.

9. “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.

10. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.

11. Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.

12. “Mukoma achaurayisa munun'una, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.

13. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.

14. “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.

15. Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba.

16. Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake.

17. Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo!

18. Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando,

19. nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve.

20. Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.

21. Panguva iyo kana munhu akati kwauri, ‘Tarira, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarira, uyo apo!’ musazvitenda.

22. Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana dai zvichigona.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 13