Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 10:41-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani.

42. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.

43. Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

44. uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 10