Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 10:40-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana ruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”

41. Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani.

42. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.

43. Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 10